2 Samuel 3:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Abineri akati kunaDavidi: Ndicasimuka, ndikaenda kundoʋuŋganidzira ishe waŋgu mambo ʋaIsraeri ʋose, kuti ʋaite suŋgano nemi, muɓate ʋushe pose pamunoɗa napo nomŋoyo wenyu. Davidi akaendisa Abineri, akaenda norugare.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Abhineri akati kuna Dhavhidhi, “Nditenderei kuti ndiende iye zvino ndinounganidzira ishe wangu mambo Israeri yose, kuti vaite sungano nemi, uye kuti mubate ushe pamusoro pezvose zvinodiwa nomwoyo wenyu.” Saka Dhavhidhi akaendesa Abhineri, iye akaenda norugare.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abhuneru akati kuna Dhavhidhi, “Chiregai ndisimuke ndiende zvangu ndindounganidza Isiraeri yose pasi penyu mambo, changamire kuti vaite chibvumirano nemi uyewo kuti mugotonga nyika yose imi muchifadzwawo nazvo.” Naizvozvo Dhavhidhi akati Abhuneru aende zvake, Abhuneru ndokuenda zvake zvakanaka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Abhineri akati kuna Dhavhidhi, “Ndichasimuka, ndikaenda kundounganidzira ishe wangu mambo vaIsiraeri vose, kuti vaite sungano nemi, mubate ushe pose pamunoda napo nomwoyo wenyu.” Dhavhidhi akaendisa Abhineri, akaenda norugare.
Shona 2009?
Abhineri akati kuna Dhavhidhi, "Ndichasimuka, ndikaenda kundounganidzira ishe wangu mambo vaIsiraeri vose, kuti vaite sungano nemi, mubate ushe pose pamunoda napo nomoyo wenyu." Dhavhidhi akaendisa Abhineri, akaenda norugare.
Shona SUB 2002 Bible
Abhineri akati kuna Dhavhidhi, “Ndichasimuka, ndikaenda kundounganidzira ishe wangu mambo VaIsiraeri vose, kuti vaite sungano nemi, mubate ushe pose pamunoda napo nomwoyo wenyu.” Dhavhidhi akaendisa Abhineri, akaenda norugare.