2 Samuel 3:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaranda ʋaDavidi naJoabi ʋakadzoka pakundopambara, ʋakaʋuya neɀakapambga ɀizhinji; asi Abineri wakaŋga asi’po kunaDavidi paHebroni, nokuti wakaŋga amuendisa, akaenda hake norugare.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva iyoyo varanda vaDhavhidhi naJoabhu vakadzoka kubva kundopamba uye vakauya nezvakawanda zvavakanga vapamba. Asi Abhineri akanga achisiri pamwe naDhavhidhi muHebhuroni, nokuti Dhavhidhi akanga amutendera kuenda, uye akanga aenda norugare.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakarepo makurukota okwaDhavhidhi akabva ati tutururu vhe vaina Joabhu vachibva kundopamba vakagukuchira zvinhu zvakawanda kwazvo zvavakanga vapamba. Asi Abhuneru akanga atobva kare pana Dhavhidhi kuHebhuroni nokuti akanga ati aende zvake iyewo ndokuendawo zvake zvakanaka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varanda vaDhavhidhi naJoabhu vakadzoka pakundopambara, vakauya nezvakapambwa zvizhinji; asi Abhineri wakanga asipo kuna Dhavhidhi paHebhuroni, nokuti wakanga amuendisa, akaenda hake norugare.
Shona 2009?
Zvino varanda vaDhavhidhi naJoabhu vakadzoka pakundopambara, vakauya nezvakapambwa zvizhinji; asi Abhineri wakanga asipo kuna Dhavhidhi paHebhuroni, nokuti wakanga amuendisa, akaenda hake norugare.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varanda vaDhavhidhi naJoabhu vakadzoka pakundopambara, vakauya nezvakapambwa zvizhinji; asi Abhineri wakanga asipo kuna Dhavhidhi paHebhuroni, nokuti wakanga amuendisa, akaenda hake norugare.