2 Samuel 3:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ŋgaɀiʋe pamusoro waJoabi napamsoro peimba yose yaɓaɓa ʋake; imba yaJoabi igare inaʋanhu ʋanehosha yokuyerera, kana ʋanamaperembudzi, kana ʋanoɗonɀa nomuɗonɀo, kana ʋanoʋurawa nomunondo, kana ʋanoshaiwa ɀokudya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ropa rake ngarive pamusoro waJoabhu nepaimba yababa vake yose! Imba yaJoabhu ngairege kushaya munhu ane ronda risingapori, kana ana maperembudzi, kana anofamba nomudonzvo, kana anourayiwa nomunondo, kana anoshayiwa zvokudya.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ngaipfukire iye Joabhu navose vemba yokwababa vake. Mumhuri yokwaJoabhu ngamurege kushayikwa vanhu vanotambura neizvi zvinoti: chirwere chezvinobuda mumuviri, namaperembudzi navanotoda mudonzvo kuti vafambe navanoita zvokuurayiwa nebakatwa kana vanofa nenzara!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ngazvive pamusoro waJoabhu napamusoro peimba yose yababa vake; imba yaJoabhu igare ina vanhu vane hosha yokuyerera, kana vane maperembudzi, kana vanodonzva nomudonzvo, kana vanourawa nomunondo, kana vanoshaiwa zvokudya.”
Shona 2009?
ngazvive pamusoro waJoabhu napamusoro peimba yose yababa vake; imba yaJoabhu igare ina vanhu vane hosha yokuyerera, kana vane maperembudzi, kana vanodonzva nomudonzvo, kana vanourawa nomunondo, kana vanoshaiwa zvokudya."
Shona SUB 2002 Bible
ngazvive pamusoro waJoabhu napamusoro peimba yose yababa vake; imba yaJoabhu igare ina vanhu vane chirwere chokuyerera, kana vane maperembudzi, kana vanodonzva nomudonzvo, kana vanourayiwa nomunondo, kana vanoshaiwa zvokudya.”