2 Samuel 3:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Davidi akati kunaJoabi, nokunaʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋanaʋo: Bvarurai ŋguʋo dzenyu, musimire magumbu paɀiʋuno ɀenyu, muceme pamberi paAbineri. Mambo Davidi akateʋera bganyanza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Dhavhidhi akati kuna Joabhu navanhu vose vaiva naye, “Bvarurai nguo dzenyu mupfeke masaga mufambe muchiungudza pamberi paAbhineri.” Mambo Dhavhidhi pachake akafamba ari shure kwengoro yaiva nechitunha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akati kuna Joabhu nokuvanhu vose vaiva naye, “Bvarurai hanzu dzenyu mupfeke masaga mucheme Abhuneru.” Mambo Dhavhidhi pachavo vakatevera banda raiva nechitunha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Dhavhidhi akati kuna Joabhu, nokuna vanhu vose vakanga vanavo, “Bvarurai nguo dzenyu, musimire magumbu pazviuno zvenyu, mucheme pamberi paAbhineri.” Mambo Dhavhidhi akatevera hwanyanza.
Shona 2009?
Zvino Dhavhidhi akati kuna Joabhu, nokuna vanhu vose vakanga vanavo, "Bvarurai nguvo dzenyu, musimire magumbu pazviuno zvenyu, mucheme pamberi paAbhineri." Mambo Dhavhidhi akatevera hwanyanza.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Dhavhidhi akati kuna Joabhu, nokuna vanhu vose vakanga vanavo, “Bvarurai nguo dzenyu, musimire mamvemve pazviuno zvenyu, mucheme pamberi paAbhineri.” Mambo Dhavhidhi akatevera hwanyanza.