2 Samuel 3:34 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Maʋoko ako akaŋga asino‐kusuŋgwa, namakumbo ako akaŋga asino‐kupinzwa mumatare; Iwe wakafa sokufa kwomunhu pamberi paʋana ʋeɀakaipa. Ʋanhu ʋose ʋakamucema ɀe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Maoko ako akanga asina kusungwa, makumbo ako akanga asina kuiswa mumatare. Wakafa sokufa kwomunhu anofira pamberi pavanyangadzi.” Uye vanhu vose vakamuchemazve.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Haunaka iwe kumbosungwa maoko; makumbo ako ngetani hadzizivi. Mufiro wako ndowa avo chete, vanofa mumaoko avakaipa.” Vanhu vose vakahwihwidza kumuchema.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Maoko ako akanga asina kusungwa, namakumbo ako akanga asina kupinzwa mumatare; Iwe wakafa sokufa kwomunhu pamberi pavana vezvakaipa.” Vanhu vose vakamuchemazve.
Shona 2009?
Maoko ako akanga asina kusungwa, namakumbo ako akanga asina kupinzwa mumatare; lwe wakafa sokufa komunhu pamberi pavana vezvakaipa." Vanhu vose vakamuchemazve.
Shona SUB 2002 Bible
Maoko ako akanga asina kusungwa, namakumbo ako akanga asina kupinzwa mumatare; Iwe wakafa sokufa kwomunhu pamberi pavana vezvakaipa.” Vanhu vose vakamuchemazve.