2 Samuel 3:35 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋanhu ʋose ʋakaʋuya kuzokurudzira Davidi kudya ɀokudya aciri masikati; asi Davidi wakapika, akati: Mŋari ŋgaandiroʋe, arambe aciɗaro, kana ndikaraʋira ciŋgwa kana cimŋe cinhu zuʋa ricigere kuʋira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vose vakauya vakagombedzera Dhavhidhi kuti awane chaangadya achiri masikati; asi Dhavhidhi akaita mhiko, achiti, “Mwari ngaandirove, uye zvakanyanyisa, kana ndikaravira chingwa kana chimwe chinhu zuva risati ravira!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vose vakauya kuzonyengetedza Dhavhidhi kuti awane chaangadye zuva risati radoka. Asi Dhavhidhi akatsidza kuti, “Mwari ngaandione asve andiomesera kwazvo kana ndikaruma chingwa mukanwa mangu kana chimwewo zvacho zuva risati radoka!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vanhu vose vakauya kuzokuridzira Dhavhidhi kudya zvokudya achiri masikati; asi Dhavhidhi wakapika, akati, “Mwari ngaandirove, arambe achidaro, kana ndikaravira chingwa kana chimwe chinhu zuva richigere kuvira.
Shona 2009?
Zvino vanhu vose vakauya kuzokuridzira Dhavhidhi kudya zvokudya achiri masikati; asi Dhavhidhi wakapika, akati, "Mwari ngaandirove, arambe achidaro, kana ndikaravira chingwa kana chimwe chinhu zuva richigere kuvira.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vanhu vose vakauya kuzokuridzira Dhavhidhi kudya zvokudya achiri masikati; asi Dhavhidhi wakapika, akati, “Mwari ngaandirove, arambe achidaro, kana ndikaravira chingwa kana chimwe chinhu zuva richigere kuvira.