2 Samuel 3:38 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mambo akati kuʋaranda ʋake: Hamuziʋi here kuti nhasi mucinda nomunhu mukuru wafa pakati paIsraeri?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mambo akati kuvaranda vake, “Hamuzivi here kuti nhasi kwafa jinda uye munhu anokosha muIsraeri?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo akati kumakurukota ake, “Hamuzive here kuti nhasi uno muIsiraeri tashayikirwa nachangamire chaivo, gamba chairo?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mambo akati kuvaranda vake, “Hamuzivi here kuti nhasi muchinda nomunhu mukuru wafa pakati paIsiraeri?
Shona 2009?
Zvino mambo akati kuvaranda vake, "Hamuzivi here kuti nhasi muchinda nomunhu mukuru wafa pakati paIsiraeri?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mambo akati kuvaranda vake, “Hamuzivi here kuti nhasi muchinda nomunhu mukuru wafa pakati paIsiraeri?