2 Samuel 3:39 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ini nhasi handinesimba, kunyaŋge ndiri mambo wakazodzwa; ʋarume aʋa ʋanakomana ʋaZeruya ʋanondikurira; Jehova ŋgaatsiʋe muiti weɀakaipa ɀakafanira kuipa kwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye kuti nhasi, kunyange ndiri mambo akazodzwa, handina simba, uye vanakomana vaZeruya ava vava nesimba kupfuura ini. Jehovha ngaaripire munyangadzi zvinoenderana nokuipa kwamabasa ake!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange zvazvo ndakagadzwa umambo, zvanhasi uno izvi ini zvandipedza simba ini. Zvavana Zeruya ava zvandiomera. Tenzi ngaarange munhu wakaipa zvakakodzerana nouipi hwake.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ini nhasi handine simba, kunyange ndiri mambo wakazodzwa; varume ava vanakomana vaZeruya vanondikurira; Jehovha ngaatsive muiti wezvakaipa zvakafanira kuipa kwake.”
Shona 2009?
"Ini nhasi handine simba, kunyange ndiri mambo wakazodzwa; varume ava vanakomana vaZeruya vanondikurira; Jehovha ngaatsive muiti wezvakaipa zvakafanira kuipa kwake."
Shona SUB 2002 Bible
“Ini nhasi handine simba, kunyangwe ndiri mambo wakazodzwa; varume ava vanakomana vaZeruya vanondikurira; Jehovha ngaatsive muiti wezvakaipa zvakafanira kuipa kwake.”