2 Samuel 3:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Abineri akatsamŋa kwaɀo namashoko aIshi‐bosheti, akati: Ndiri musoro wembga yokwaJuda here? Ikonhasi ndinoitira imba yaSauro, ɓaɓa ʋako, naʋanuŋuna ʋake, nehama dzake, ɀakanaka, newe handina‐kukuisa paruʋoko rwaDavidi; kunyaŋge ɀakaɗaro, unondipomera mhaka nhasi pamsoro pomukadzi uyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Abhineri akatsamwa zvikuru nezvakanga zvataurwa naIshi-Bhosheti ndokupindura achiti, “Ko, ndiri musoro wembwa kurutivi rwaJudha here? Nhasi uno ndakatendeka, kuimba yababa vako Sauro nokumhuri yake zvose neshamwari dzake. Handina kukuisa mumaoko aDhavhidhi. Kunyange zvakadaro iye zvino unondipomera mhaka pamusoro pomukadzi uyu!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abhuneru akashatiriswa kwazvo nezvakataurwa naIshibhosheti izvi akati, “Heya unoti ndiri mbwaka ini, yokwaJudha? Iye nhasi uno ndiri munhu ano mwoyochena kumhuri yokwaSauro, baba vako nokuvakoma navanun'una vavo, neshamwari dzavo. Handina kukuisa mumaoko aDhavhidhi. Asi zvino wava kundipa mhosvaka iwe yezvomukadziwo zvake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Abhineri akatsamwa kwazvo namashoko aIshibhosheti, akati, “Ndiri musoro wembwa yokwaJudha here? Iko nhasi ndinoitira imba yaSauro, baba vako, navanun’una vake, nehama dzake zvakanaka, newe handina kukuisa paruoko rwaDhavhidhi; kunyange zvakadaro, unondipomera mhaka nhasi pamusoro pomukadzi uyu.
Shona 2009?
Ipapo Abhineri akatsamwa kwazvo namashoko aIshibhosheti, akati, "Ndiri musoro wembwa yokwaJudha here? Iko nhasi ndinoitira imba yaSauro, baba vako, navanun'una vake, nehama dzake zvakanaka, newe handina kukuisa paruoko rwaDhavhidhi; kunyange zvakadaro, unondipomera mhaka nhasi pamusoro pomukadzi uyu.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Abhineri akatsamwa kwazvo namashoko aIshibhosheti, akati, “Ndiri musoro wembwa yokwaJudha here? Iko nhasi ndinoitira imba yaSauro, baba vako, navanun'una vake, nehama dzake zvakanaka, newe handina kukuisa paruoko rwaDhavhidhi; kunyangwe zvakadaro, unondipomera mhaka nhasi pamusoro pomukadzi uyu.