2 Samuel 4:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndoɗa kana ʋanhu ʋakaipa ʋaʋuraya munhu wakarurama hake mumba make, aʋete panhoʋo dzake, handiŋgareʋi ropa rake pamaʋoko enyu ɀino, ndikakubvisai panyika here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, zvino zvichava sei, kana vanhu vakaipa vachinge vauraya munhu asina mhosva mumba make uye ari pamubhedha wake, handingatsvaki ropa rake pamaoko enyu here, kuti ndikubvisei panyika!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndoda kutozoti apa, vanhu vakaipa vatouraya zvavo mururami mumba make ari pamubhedha wake; imi ndimi vandichaita kuti muripe ropa romunhu iyeyo nokukutsakatisai panyika kwandichaita.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndoda kana vanhu vakaipa vauraya munhu wakarurama hake mumba make, avete panhoo dzake, handingarevi ropa rake pamaoko enyu zvino, ndikakubvisai panyika here?”
Shona 2009?
Ndoda kana vanhu vakaipa vauraya munhu wakarurama hake mumba make, avete panhovo dzake, handingarevi ropa rake pamaoko enyu zvino, ndikakubvisai panyika here?"
Shona SUB 2002 Bible
Ndoda kana vanhu vakaipa vauraya munhu wakarurama hake mumba make, avete panhoo dzake, handingarevi ropa rake pamaoko enyu zvino, ndikakubvisai panyika here?”