2 Samuel 4:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mŋanakomana waSauro wakaŋga anaʋarume ʋaʋiri ʋakaŋga ʋari ʋakuru ʋamapoka; zita romumŋe rakaŋga riri Baana, zita romumŋe Rehabi; ʋaiʋa ʋana ʋaRimoni muBeeroti, waʋana ʋaBenjamini; (nokuti Beeroti rakaŋga riciʋereŋgerwa ʋo kunaBenjamini;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino mwanakomana waSauro akanga ana varume vaviri vakanga vari vakuru vamapoka avapambi. Mumwe ainzi Bhaana mumwe achinzi Rekabhu; vakanga vari vanakomana vaRimoni muBheeroti aibva kurudzi rwaBhenjamini (Bheeroti rakanga richiverengerwawo kuna Bhenjamini,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino mwana waSauro uyu aiva navarume vaviri vaiva vokutungamirira zvikwata zvavapambi. Mumwe ainzi Bhaana, mumwe achinzi Rekabhu vanakomana vaRimoni mumwe murume wokwaBhenjamini wokuBheeroti (nokuti Bheeroti iyi inonzi ndeye vokwaBhenjamini.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mwanakomana waSauro wakanga ana varume vaviri vakanga vari vakuru vamapoka; zita romumwe rakanga riri Bhaama, zita romumwe Rekabhu; vaiva vana vaRimoni muBheeroti, wavana vaBhenjamini; (nokuti Bheeroti rakanga richiverengerwawo kuna Bhenjamini;
Shona 2009?
Zvino mwanakomana waSauro wakanga ana varume vaviri vakanga vari vakuru vamapoka; zita romumwe rakanga riri Bhaana, zita romumwe Rekabhu; vaiva vana vaRimoni muBheeroti, wavana vaBhenjamini; (nokuti Bheeroti rakanga richiverengerwawo kuna Bhenjamini;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mwanakomana waSauro wakanga ana varume vaviri vakanga vari vakuru vamapoka; zita romumwe rakanga riri Bhaama, zita romumwe Rekabhu; vaiva vana vaRimoni muBheeroti, wavana vaBhenjamini; (nokuti Bheeroti rakanga richiverengerwawo kuna Bhenjamini;