2 Samuel 4:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ʋakaŋga ʋapinda mumba, iye aʋete panhoʋo dzake mumba make mokuʋata, ʋakamuɓaya, ʋakamuʋuraya, ʋakagura musoro wake, ndokutora musoro wake, ʋakaenda nenzira yeAraba ʋusiku bgose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakanga vapinda mumba panguva yaakanga akarara pamubhedha wake muimba yokurara. Pavakamubaya vakamuuraya, ndokugura musoro wake. Vakautora, ndokufamba usiku nenzira yeArabha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakapinda mumba make, iye ari kutsi kwehope pamubhedha pake kudaro, vakamubaya vakamuuraya vakamudimura musoro. Vakatakura musoro wake vakararirofamba usiku hwose nomunzira yokuArabha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti vakanga vapinda mumba make mokuvata, vakamubaya, vakamuuraya, vakagura musoro wake, ndokutora musoro wake, vakaenda nenzira yeArabha usiku hwose.
Shona 2009?
Nokuti vakanga vapinda mumba make mokuvata, vakamubaya, vakamuuraya, vakagura musoro wake, ndokutora musoro wake, vakaenda nenzira yeArabha usiku hwose.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti vakanga vapinda mumba make mokuvata, vakamubaya, vakamuuraya, vakagura musoro wake, ndokutora musoro wake, vakaenda nenzira yeArabha usiku hwose.