2 Samuel 4:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaisa musoro waIshi‐bosheti kunaDavidi paHebroni, ʋakati kunamambo: Hoyo musoro waIshi‐bosheti mŋanakomana waSauro muʋeŋgi wenyu, wakaŋga acitȿaka kukuʋurayai; Jehova wakatsiʋa ishe waŋgu mambo nhasi pamsoro paSauro naʋana ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakandosvika nomusoro wa IshiBhosheti kuna Dhavhidhi paHebhuroni vakati kuna mambo, “Hounoi musoro waIshi-Bhosheti mwanakomana waSauro, muvengi wenyu, uyo aida kutora upenyu hwenyu. Nhasi Jehovha atsivira ishe wangu mambo pamusoro paSauro navana vake.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakasvika nomusoro waIshibhosheti kuna Dhavhidhi kuHebhuroni. Vakati kuna mambo, “Hounoi musoro waIshibhosheti mwanakomana waSauro, muvengi wenyu aida kukuurayai. Mambo changamire, Tenzi akutsivirai Sauro navana vake nhasi uno.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakaisa musoro waIshibhosheti kuna Dhavhidhi paHebhuroni, vakati kuna mambo, “Hoyo musoro waIshibhosheti mwanakomana waSauro muvengi wenyu, wakanga achitsvaka kukuurayai; Jehovha wakatsiva ishe wangu mambo nhasi pamusoro paSauro navana vake.”
Shona 2009?
Vakaisa musoro walshibhosheti kuna Dhavhidhi paHebhuroni, vakati kuna mambo, "Hoyo musoro waIshibhosheti mwanakomana waSauro muvengi wenyu, wakanga achitsvaka kukuurayai; Jehovha wakatsiva ishe wangu mambo nhasi pamusoro paSauro navana vake."
Shona SUB 2002 Bible
Vakaisa musoro waIshibhosheti kuna Dhavhidhi paHebhuroni, vakati kuna mambo, “Hoyo musoro waIshibhosheti mwanakomana waSauro muvengi wenyu, wakanga achitsvaka kukuurayai; Jehovha akatsiva ishe wangu mambo nhasi pamusoro paSauro navana vake.”