2 Samuel 5:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kare Sauro aciri mambo weɗu, ndimi maituŋgamirira ʋaIsraeri muciɓuɗa naʋo nokupinda naʋo; Jehova akati kwamuri: Iwe ucafudza ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, nokuʋa mutuŋgamiriri waʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva yakapfuura, Sauro paakanga ari mambo wedu, ndimi maitungamirira vaIsraeri kuhondo dzavo. Zvino Jehovha akati kwamuri, ‘Uchafudza vanhu vangu Israeri, uye uchava mutongi wavo.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nezuro uno, Sauro achiri mambo wedu, ndimi maimhanya-mhanya nebasa rokutungamirira Isiraeri kuhondo uyewo Tenzi akakutii, ‘Iwe ndiwe uchava mufudzi wavanhu vangu vaIsiraeri uchava ishe weIsiraeri.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kare Sauro achiri mambo wedu, ndimi maitungamirira vaIsiraeri muchibuda navo nokupinda navo; Jehovha akati kwamuri, ‘Iwe uchafudza vanhu vangu vaIsiraeri.’ ”
Shona 2009?
Kare Sauro achiri mambo wedu, ndimi maitungamirira vaIsiraeri muchibuda navo nokupinda navo; Jehovha akati kwamuri, `Iwe uchafudza vanhu vangu vaIsiraeri.' "
Shona SUB 2002 Bible
Kare Sauro achiri mambo wedu, ndimi maitungamirira VaIsiraeri muchibuda navo nokupinda navo; Jehovha akati kwamuri, ‘Iwe uchafudza vanhu vangu VaIsiraeri.’ ”