2 Samuel 5:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana ucinzwa kutinhira kwokufamba paŋgara dzemiti yemibarsami, unofanira kukurumidza, nokuti ndiJehova wakutuŋgamirira kundoparadza hondo yaʋaFiristia.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamunongonzwa ruzha rwokufamba kwavanhu pamusoro pemiti yemibharisamu, mubve mafamba nokukurumidza, nokuti zvichareva kuti Jehovha aenda mberi kwenyu kuti aparadze hondo yavaFiristia.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paunozongonzwa chete mutsindo wokufamba pamusoro pemiti yemibharisamu mobvawo mati navo koke koke kuvarwisa nokuti Tenzi anenge atotungamira mberi kwenyu kundorwisa hondo dzavaFirisitia.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana uchinzwa kutinhira kwokufamba pangara dzemiti yemimaribheri, unofanira kukurumidza, nokuti ndiJehovha wakutungamirira kundoparadza hondo yavaFirisitia.”
Shona 2009?
Zvino kana uchinzwa kutinhira kokufamba pangara dzemiti yemimaribheri, unofanira kukurumidza, nokuti ndiJehovha wakutungamirira kundoparadza hondo yavaFirisitia."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana uchinzwa kutinhira kwokufamba pangara dzemiti yemimaribheri, unofanira kukurumidza, nokuti ndiJehovha wakutungamirira kundoparadza hondo yavaFirisitia.”