2 Samuel 5:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ʋakuru ʋose ʋaIsraeri ʋakaʋuya kunamambo paHebroni, mambo Davidi akaita suŋgano paHebroni pamberi paJehova; iʋo ʋakazodza Davidi, kuti aʋe mambo waIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakuru vose veIsraeri vakati vauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni, mambo akaita sungano navo paHebhuroni pamberi paJehovha, uye vakazodza Dhavhidhi kuti ave mambo weIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndizvo zvakaunza vakuru vakuru vokwaIsiraeri vose kuna mambo kuHebhuroni ndokubvawo mambo Dhavhidhi aita chibvumirano navo kuHebhuroni ikoko, pana Tenzi. Vakagadza Dhavhidhi umambo hwokwaIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo vakuru vose vaIsiraeri vakauya kuna mambo paHebhuroni, mambo Dhavhidhi akaita sungano paHebhuroni pamberi paJehovha; ivo vakazodza Dhavhidhi, kuti ave mambo waIsiraeri.
Shona 2009?
Naizvozvo vakuru vose vaIsiraeri vakauya kuna mambo paHebhuroni, mambo Dhavhidhi akaita sungano paHebhuroni pamberi paJehovha; ivo vakazodza Dhavhidhi, kuti ave mambo waIsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo vakuru vose VaIsiraeri vakauya kuna mambo paHebhuroni, mambo Dhavhidhi akaita sungano paHebhuroni pamberi paJehovha; ivo vakazodza Dhavhidhi, kuti ave mambo waIsiraeri.