2 Samuel 5:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye mambo naʋanhu ʋake ʋakaenda Jerusarema kundorwa naʋaJebusi ʋakaŋga ʋagere panyika iyo; iʋo ʋakataura naDavidi, ʋakati: Hauŋgapindi pano, mapofu neɀirema ʋaŋgakudziŋga, nokuti ʋakati, Davidi haaŋgapindi pano.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo navanhu vakafamba vachienda kuJerusarema kundorwisa vaJebhusi, vaigarako. VaJebhusi vakati kuna Dhavhidhi, “Haungapindi muno; kunyange mapofu kana zvirema vanokwanisa kukudzinga.” Vakafunga pachavo vachiti, “Dhavhidhi haambokwanisi kupinda muno.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo navarwi vake vakaenda kuJerusaremu vachivinga vaJebhusi vagari venyika iyoyo ivo vakati kuna Dhavhidhi, “Muno haumupindi unodzingwa iwe kunyange namapofu nezvirema chaizvo,” vachifunga kuti Dhavhidhi haambofa akamupinda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye mambo navanhu vake vakaenda Jerusaremu kundorwa navaJebhusi vakanga vagere panyika iyo; ivo vakataura naDhavhidhi, vakati, “Haungapindi pano, mapofu nezvirema vangakudzinga, nokuti vakati, Dhavhidhi haangapindi pano.”
Shona 2009?
lye mambo navanhu vake vakaenda Jerusaremu kundorwa navaJebhusi vakanga vagere panyika iyo; ivo vakataura naDhavhidhi, vakati, "Haungapindi pano, mapofu nezvirema vangakudzinga, nokuti vakati, Dhavhidhi haangapindi pano."
Shona SUB 2002 Bible
Iye mambo navanhu vake vakaenda Jerusaremu kundorwa naVaJebhusi vakanga vagere panyika iyo; ivo vakataura naDhavhidhi, vakati, “Haungapindi pano, mapofu nezvirema vangakudzinga, nokuti vakati, Dhavhidhi haangapindi pano.”