2 Samuel 6:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakaʋudza mambo Davidi, ʋaciti: Jehova wakaropafadza imba yaObedi‐edomi neɀose ɀake nokuɗa kweareka yaMŋari. Ipapo Davidi akaenda akatora areka yaMŋari kumba kwaObedi‐edomi, akakwira nayo kuguta raDavidi nomufaro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Mambo Dhavhidhi akaudzwa kuti, “Jehovha akaropafadza imba yaObhedhi-Edhomu nezvose zvaanazvo, nokuda kweareka yaMwari.” Saka Dhavhidhi akaburuka akandotora areka yaMwari kubva muimba yaObhedhi-Edhomu akakwira nayo kuGuta raDhavhidhi achipemberera nomufaro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Shoko rakasvika munzeve dzamambo Dhavhidhi rokuti, “Uku Tenzi akatokomborera mhuri yaObhedhiedhomu pamwechete nezvose zvaaiva nazvo pamusana pebhokisi raMwari rechitenderano.” Ipapo Dhavhidhi akadzikako akandotora bhokisi raMwari mumba maObhedhiedhomu, akaenda naro kuGuta raDhavhidhi achipembera kufara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakaudza mambo Dhavhidhi, vachiti, “Jehovha wakaropafadza imba yaObhedhiEdhomu nezvose zvake nokuda kweareka yaMwari.” Ipapo Dhavhidhi akaenda akatora areka yaMwari kumba kwaObhedhiEdhomu, akakwira nayo kuguta raDhavhidhi nomufaro.
Shona 2009?
Zvino vakaudza mambo Dhavhidhi, vachiti, "Jehovha wakaropafadza imba yaObhedhi-Edhomu nezvose zvake nokuda kweareka yaMwari." Ipapo Dhavhidhi akaenda akatora areka yaMwari kumba kwa Obhedhi-Edhomu, akakwira nayo kuguta raDhavhidhi nomufaro.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakaudza mambo Dhavhidhi, vachiti, “Jehovha wakaropafadza imba yaObhedhiEdhomu nezvose zvake nokuda kweareka yaMwari.” Ipapo Dhavhidhi akaenda akatora areka yaMwari kumba kwaObhedhiEdhomu, akakwira nayo kuguta raDhavhidhi nomufaro.