2 Samuel 6:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akagoʋera ʋanhu ʋose, iʋo ʋaIsraeri ʋazhinji ʋose, ʋarume naʋakadzi, mumŋe nomumŋe ɓundu reciŋgwa, nenhindi yenyama, nesumbu ramazambiriŋga akawomeswa. Ɀino ʋanhu ʋose ʋakabva, mumŋe nomumŋe akaenda kumba kwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akazotorazve chingwa, keke ramadheti nekeke ramazambiringa akaomeswa akazvipa kuno mumwe nomumwe weungano yose yavaIsraeri, varume navakadzi. Uye vanhu vose vakaenda kudzimba dzavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akazogoveranisa vanhu vose, gungano rose zvaro reIsiraeri, varume navakadzi zvokudya zvinoti: chingwa nenyama yechirango nechitsumbu chamagirepisi akaomeswa pamunhu. Vanhu vose vakati uyu kwake, uyu kwake voenda zvavo kumisha yavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akagovera vanhu vose, ivo vaIsiraeri vazhinji vose, varume navakadzi, mumwe nomumwe bundu rechingwa, nenhindi yenyama, nesumbu ramadzambiringa akawomeswa. Zvino vanhu vose vakabva, mumwe nomumwe akaenda kumba kwake.
Shona 2009?
Akagovera vanhu vose, ivo vaIsiraeri vazhinji vose, varume navakadzi, mumwe nomumwe bundu rechingwa, nenhindi yenyama, nesumbu ramazambiringa akawomeswa. Zvino vanhu vose vakabva, mumwe nomumwe akaenda kumba kwake.
Shona SUB 2002 Bible
Akagovera vanhu vose, ivo VaIsiraeri vazhinji vose, varume navakadzi, mumwe nomumwe bundu rechingwa, nenhindi yenyama, nesumbu ramazambiringa akawomeswa. Zvino vanhu vose vakabva, mumwe nomumwe akaenda kumba kwake.