2 Samuel 6:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi akadzoka kuzoropafadza imba yake. Mikari mukunda waSauro akaɓuɗa kuzosoŋgana naDavidi, akati: Haiwa, mambo waIsraeri waɀikudza sei nhasi, ɀaakaɀifukura pamberi paʋarandakadzi ʋaʋaranda ʋake, sokuɀifukura kweɓenzi risiŋganyari!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi paakadzokera kumba kuti andoropafadza veimba yake, Mikari mwanasikana waSauro akabuda kundosangana naye akati, “Mambo weIsraeri azvikudza sei nhasi, zvaabvisa nguo dzoushe pamberi pavarandakadzi vavaranda vake sezvinoitwa nebenzi ripi zvaro.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akadzokera kundokomborera mhuri yake. Mikari mukunda waSauro akauya kuzochingurana naDhavhidhi, ndokubva ati, “Mambo weIsiraeri nhasi uno ashamisira zvinogara zvakadaro, kupfekenura here chokwadi pane varanda vechikadzi vemakurukota ake kudaro, sedzenga romunhu rinonyatsozvifumura zvaro pachenachena!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi akadzoka kuzoropafadza imba yake. Mikari mukunda waSauro akabuda kuzosangana naDhavhidhi, akati, “Haiwa, mambo waIsiraeri wazvikudza sei nhasi, zvaakazvifukura pamberi pavarandakadzi vavaranda vake, sokuzvifukura kwebenzi risinganyari!”
Shona 2009?
Dhavhidhi akadzoka kuzoropafadza imba yake. Mikari mukunda waSauro akabuda kuzosangana naDhavhidhi, akati, "Haiwa, mambo waIsiraeri wazvikudza sei nhasi, zvaakazvifukura pamberi pavarandakadzi vavaranda vake, sokuzvifukura kwebenzi risinganyari!"
Shona SUB 2002 Bible
Dhavhidhi akadzoka kuzoropafadza imba yake. Mikari mukunda waSauro akabuda kuzosangana naDhavhidhi, akati, “Haiwa, mambo waIsiraeri wazvikudza sei nhasi, zvaakazvifukura pamberi pavarandakadzi vavaranda vake, sokuzvifukura kwebenzi risinganyari!”