2 Samuel 6:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi akati kunaMikari: Ndakaɀiita pamberi paJehova, wakanditsaura pamsoro paɓaɓa ʋako, napamsoro peimba yake yose, kuti andiite muɓati waʋanhu ʋaJehova, iʋo ʋaIsraeri; naiɀoɀo ndicatamba haŋgu pamberi paJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akati kuna Mikari, “Ndazviita pamberi paJehovha, iye akandisarudza pachinzvimbo chababa vako kana mumwe munhu upi zvake muimba yake uye akandiita kuti ndive mutongi wavanhu vaJehovha, vaIsraeri; naizvozvo ndichapembera pamberi paJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi ndokuti kuna Mikari, “Heekaka. NdiTenzi wazvanga zvichiitirwa akasarudza ini kutsiva baba wako navose zvavo vemhuri yokwake achindisarudzira kuva ishe wavaIsiraeri, vanhu vaTenzi. Zvokupemberera Tenzi izvozvo, ndozvandichaita zvacho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi akati kuna Mikari, “Ndakazviita pamberi paJehovha, wakanditsaura pamusoro pababa vako, napamusoro peimba yake yose, kuti andiite mubati wavanhu vaJehovha, ivo vaIsiraeri; naizvozvo ndichatamba hangu pamberi paJehovha.
Shona 2009?
Dhavhidhi akati kuna Mikari, "Ndakazviita pamberi paJehovha, wakanditsaura pamusoro pababa vako, napamusoro peimba yake yose, kuti andiite mubati wavanhu vaJehovha, ivo vaIsiraeri; naizvozvo ndichatamba hangu pamberi paJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Dhavhidhi akati kuna Mikari, “Ndakazviita pamberi paJehovha, wakanditsaura pamusoro pababa vako, napamusoro peimba yake yose, kuti andiite mubati wavanhu vaJehovha, ivo VaIsiraeri; naizvozvo ndichatamba hangu pamberi paJehovha.