2 Samuel 7:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mambo Davidi akapinda, akagara pamberi paJehova, akati: Jehova Mŋari, ndini aniko, neimba yaŋgu cinyiko, ɀamakandiȿitsa kuȿikira pano?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Mambo Dhavhidhi akapinda akandogara pamberi paJehovha, akati: “Ko, ini ndini aniko zvangu, nhai Ishe Jehovha, uye mhuri yangu chiiko, zvamandisvitsa pano?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo Dhavhidhi akapinda akagara pana Tenzi akanamata achiti: “Ndiri aniwo zvangu nhai Tenzi Mwari? Kana iyowo mhuri yokwangu, chiiwo zvayo, kundisvitsawo pakadai?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo Dhavhidhi akapinda, akagara pamberi paJehovha, akati, “Jehovha Mwari, ndini aniko, neimba yangu chinyiko, zvamakandisvitsa kusvikira pano?
Shona 2009?
Ipapo mambo Dhavhidhi akapinda, akagara pamberi paJehovha, akati, "Jehovha Mwari, ndini aniko, neimba yangu chinyiko, zvamakandisvitsa kusvikira pano?
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mambo Dhavhidhi akapinda, akagara pamberi paJehovha, akati, “Jehovha Mwari, ndini aniko, neimba yangu chiiko, zvamakandisvitsa kusvikira pano?