2 Samuel 7:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Rumŋe rudzi ruripiko panyika rwakafanana naʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, ʋakandodzikinurwa naMŋari, ʋaʋe ʋanhu ʋake, kuti iye akurumbire, ʋuye akuitirei imi ɀinhu ɀikuru, nenyika yenyu ɀinhu ɀinotyisa, pamberi paʋanhu ʋenyu, ʋamakaɀidzikinurira paEgipita, ʋabve pakati paʋahedeni naʋamŋari ʋaʋo?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye ndorupi rumwe rudzi rwakaita savanhu venyu vaIsraeri, irwo rudzi panyika rwakadzikinurwa naMwari kuti vave vanhu vake, uye kuti azviitire zita, uye kuti aite zvinhu zvikuru zvinoshamisa nokudzinga marudzi navamwari vawo pamberi pavanhu venyu, vamakadzikinura kubva muIjipiti?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndorupi rudzi panyika rwakaita savanhu venyu vaIsiraeri, runa Mwari akaenda kundovanunura kuti vave vanhu vake uye kuti azviwanire zita, achivaitira mabasa makuru anotyisa nokudzingira kunze marudzi navamwari vavo, kutiira vanhu vake ivavo vaakanunura kuIjipiti?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Rumwe rudzi ruripiko panyika rwakafanana navanhu venyu vaIsiraeri, vakandodzikinurwa naMwari, vave vanhu vake kuti iye akurumbire, uye akuitirei imi zvinhu zvikuru, nenyika yenyu zvinhu zvinotyisa, pamberi pavanhu venyu, vamakazvidzikinurira paIjipiti, vabve pakati pavahedheni navamwari vavo?
Shona 2009?
Rumwe rudzi ruripiko panyika rwakafanana navanhu venyu vaIsiraeri, vakandodzikunurwa naMwari, vave vanhu vake kuti iye akurumbire, uye akuitirei imwi zvinhu zvikuru, nenyika yenyu zvinhu zvinotyisa, pamberi pavanhu venyu, vamakazvidzikunurira paIjipiti, vabve pakati pavahedheni navamwari vavo?
Shona SUB 2002 Bible
Rumwe rudzi ruripiko panyika rwakafanana navanhu venyu VaIsiraeri, vakandodzikinurwa naMwari, vave vanhu vake kuti iye akurumbire, uye akuitirei imi zvinhu zvikuru, nenyika yenyu zvinhu zvinotyisa, pamberi pavanhu venyu, vamakazvidzikinurira muIjipiti, vabve pakati pavahedheni navamwari vavo?