2 Samuel 7:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti imi Jehova wehondo, Mŋari waIsraeri, makaziʋisa muranda wenyu, muciti: Ndicakuʋakira imba; naiɀoɀo muranda wenyu wakatsuŋga kunyeŋgetera munyeŋgetero uyu kwamuri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, makaratidza izvi kumuranda wenyu, muchiti, ‘Ndichakuvakira imba.’ Naizvozvo muranda wenyu atsunga kunyengetera, munyengetero uyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Pamusana pokuti imi Tenzi wehondo nehondo Mwari weIsiraeri mandidurira pachena kuti, muchandivakira imba, ndokusakawo ini muranda wenyu ndaita simba rokuita munamato wakadai kwamuri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti imi Jehovha wehondo Mwari waIsiraeri, makazivisa muranda wenyu, muchiti, ‘Ndichakuvakira imba;’ naizvozvo muranda wenyu wakatsunga kunyengetera munyengetero uyu kwamuri.
Shona 2009?
Nokuti imwi Jehovha wehondo Mwari waIsiraeri, makazivisa muranda wenyu, muchiti, `Ndichakuvakira imba;' naizvozvo muranda wenyu wakatsunga kunyengetera munyengetero uyu kwamuri.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti imi Jehovha wehondo Mwari waIsiraeri, makazivisa muranda wenyu, muchiti, ‘Ndichakuvakira imba;’ naizvozvo muranda wenyu wakatsunga kunyengetera munyengetero uyu kwamuri.