2 Samuel 7:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova Mŋari, ndimi Mŋari, ʋuye mashoko enyu ndeeɀokwaɗi, makapikira muranda wenyu cinhu ici cakanaka;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Haiwa Ishe Jehovha, muri Mwari! Mashoko enyu ndeechokwadi, uye mavimbisa zvinhu zvakanaka kumuranda wenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvino Tenzi Mwari, imi ndimi Mwari wangu. Zvamunoreva zvichaitika zvechokwadi, uyewo mavimbisa zvinhu izvi zvakanaka kudai kuneni muranda wenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino Jehovha Mwari, ndimi Mwari, uye mashoko enyu ndeezvokwadi, makapikira muranda wenyu chinhu ichi chakanaka;
Shona 2009?
"Zvino Jehovha Mwari, ndimi Mwari, uye mashoko enyu ndeechokwadi, makapikira muranda wenyu chinhu ichi chakanaka;
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino Jehovha Mwari, ndimi Mwari, uye mashoko enyu ndeezvokwadi, makapikira muranda wenyu chinhu ichi chakanaka;