2 Samuel 7:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
naiɀoɀo ɀino ciropafadzai henyu imba yomuranda wenyu, kuti irambe iri’po pamberi penyu nokusiŋgaperi, nokuti imi Jehova Mŋari makataura saiɀoɀo; imba yomuranda wenyu ŋgairopafadzwe nokuropafadza kwenyu nokusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino ngazvikufadzei kuti muropafadze imba yomuranda wenyu, kuti irambe iri pamberi penyu nokusingaperi; nokuti imi Jehovha Mwari, mazvitaura, uye namaropafadzo enyu, imba yomuranda wenyu icharopafadzwa nokusingaperi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvino chikomborerai waro imba yangu ini muranda wenyu kuti irambe yakangoti nemi kwati kwati nokuti imi Tenzi Mwari ndimi mazvireva, naizvozvo namakomborero enyu iwayo, mhuri yangu ini, muranda wenyu ichava mhuri yakakomborerwa chaizvo narini wose.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
naizvozvo zvino chiropafadzai henyu imba yomuranda wenyu, kuti irambe iripo pamberi penyu nokusingaperi, nokuti imi Jehovha Mwari makataura saizvozvo; imba yomuranda wenyu ngairopafadzwe nokuropafadza kwenyu nokusingaperi.”
Shona 2009?
naizvozvo zvino chiropafadzai henyu imba yomuranda wenyu, kuti irambe iripo pamberi penyu nokusingaperi, nokuti imwi Jehovha Mwari makataura saizvozvo; imba yomuranda wenyu ngairopafadzwe nokuropafadza kwenyu nokusingaperi."
Shona SUB 2002 Bible
naizvozvo zvino chiropafadzai henyu imba yomuranda wenyu, kuti irambe iripo pamberi penyu nokusingaperi, nokuti imi Jehovha Mwari makataura saizvozvo; imba yomuranda wenyu ngairopafadzwe nokuropafadza kwenyu nokusingaperi.”