2 Samuel 8:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akakunda Moabi ʋo, akaʋayera neɓote, amboʋaʋatisa pasi; akayera namaɓote maʋiri ʋaifanira kuʋurawa, ʋuye neɓote rimŋe rose ʋaifanira kuregwa ʋari ʋapenyu. ʋaMoabi ʋakaitwa ʋaranda ʋaDavidi ʋakamuʋigira ɀipo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akakundawo vaMoabhu. Akavavatisa pasi akavayera netambo. Aiti akaera kaviri netambo vanhu ivavo vourayiwa, asi avo vaipinda pachiero chetatu vaitenderwa kurarama. Naizvozvo vaMoabhu vakaitwa varanda naDhavhidhi uye vakabvisiswa mutero.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akakurirawo Moabhu akati vanhu vacho vati rare rare pasi. Akatora tambo akavaera katatu katatu nourefu hwayo vakangodaro achiuraya vomuchikamu chokutanga nechechipiri, vomuchikamu chechitatu akavarega vari vapenyu. VaMoabhu vakava varanda kuna Dhavhidhi vakatera mutero kwaari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akakunda Moabhuwo, akavayera nebote, ambovavatisa pasi; akayera namabote maviri vaifanira kuurawa, uye nebote rimwe rose vaifanira kuregwa vari vapenyu. VaMoabhu vakaitwa varanda vaDhavhidhi vakamuvigira zvipo.
Shona 2009?
Akakunda Moabhuwo, akavayera nebote, ambovavatisa pasi; akayera namabote maviri vaifanira kuvurawa, uye nebote rimwe rose vaifanira kuregwa vari vapenyu. VaMoabhu vakaitwa varanda vaDhavhidhi vakamuvigira zvipo.
Shona SUB 2002 Bible
Akakunda Moabhuwo, akavayera nebote, ambovavatisa pasi; akayera namabote maviri vaifanira kuurayiwa, uye nebote rimwe rose vaifanira kuregwa vari vapenyu. VaMoabhu vakaitwa varanda vaDhavhidhi vakamuvigira zvipo.