2 Samuel 9:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iwe unofanira kumurimira minda, iwe naʋanakomana ʋako, naʋaranda ʋako, nokukohwa micero, kuti mŋanakomana watenzi wako aʋe neɀokudya ɀaaŋgadya; asi Mefibosheti mŋanakomana watenzi wako, ucagara acidya ɀokudya patafura yaŋgu. Ɀino Ziba waiʋa naʋanakomana ʋanegumi naʋashanu naʋaranda ʋanamakumi maʋiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iwe navana vako navaranda vako ndimi muchamurimira minda mugokohwa zvirimwa, kuti muzukuru wavatenzi vako awane zvokudya. Mefibhosheti, muzukuru wavatenzi vako, achadya patafura yangu nguva dzose.” Zvino Zibha aiva navanakomana gumi navashanu navaranda makumi maviri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino iwe navanakomana vako navaranda vako munofanira kumurimira munda muchimuigira zvinobva mumundamo kuitira kuti mwanakomana watenzi wako awane chokudya. Asi Mefibhosheti uyu mwanakomana watenzi wako achange achidya chokudya pamwechete neni pateburu yangu nguva dzose.” Zvino Zibha aiva navana vakomana gumi navashanu navaranda makumi maviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iwe unofanira kumurimira minda, iwe navanakomana vako, navaranda vako, nokukohwa mbesa kuti mwanakomana watenzi wako ave nezvokudya zvaangadya; asi Mefibhosheti mwanakomana watenzi wako, uchagara achidya zvokudya patafura yangu.” Zvino Zibha waiva navanakomana vane gumi navashanu navaranda vana makumi maviri.
Shona 2009?
Iwe unofanira kumurimira minda, iwe navanakomana vako, navaranda vako, nokukohwa mbesa kuti mwanakomana watenzi wako ave nezvokudya zvaangadya; asi Mefibhosheti mwanakomana watenzi wako, uchagara achidya zvokudya patafura yangu." Zvino Zibha waiva navanakomana vane gumi navashanu navaranda vana makumi maviri.
Shona SUB 2002 Bible
Iwe unofanira kumurimira minda, iwe navanakomana vako, navaranda vako, nokukohwa mbesa kuti mwanakomana watenzi wako ave nezvokudya zvaangadya; asi Mefibhosheti mwanakomana watenzi wako, uchagara achidya zvokudya patafura yangu.” Zvino Zibha waiva navanakomana vane gumi navashanu navaranda vana makumi maviri.