2 Samuel 9:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo akati kwaari: Hakucinomumŋe weimba yaSauro, wandiŋgaitira kunaka kwaMŋari here? Ziba akati kunamambo: Jonatani ucinomŋanakomana wakaremara tsoka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo akabvunza akati, “Hakuna mumwe akasara weimba yaSauro wandingaratidza tsitsi dzaMwari here?” Zibha akapindura mambo akati, “Kuchine mwanakomana waJonatani; akaremara makumbo ose.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo akati, “Kuchino mumwe here wemba yokwaSauro achiripo wandingaitire mwoyochena waMwari?” Zibha akati kuna mambo, “Hongu kuchino mwanakomana waJonatani akaremara tsoka dzose dziri mbiri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo akati kwaari, “Hakuchina mumwe weimba yaSauro, wandingaitira kunaka kwaMwari here?” Zibha akati kuna mambo, “Jonatani uchinomwanakomana wakaremara tsoka.”
Shona 2009?
Mambo akati kwaari, "Hakuchina mumwe weimba yaSauro, wandingaitira kunaka kwaMwari here?" Zibha akati kuna mambo, "Jonatani uchinomwanakomana wakaremara tsoka."
Shona SUB 2002 Bible
Mambo akati kwaari, “Hakuchina mumwe weimba yaSauro, wandingaitira kunaka kwaMwari here?” Zibha akati kuna mambo, “Jonatani uchino mwanakomana wakaremara tsoka.”