2 Samuel 9:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akamufugamira, akati: Muranda wenyu cinyiko, ɀamakatarira imbga yakafa seni?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mefibhosheti akakotamira pasi akati, “Muranda wenyu chiiko, zvamunorangarira imbwa yakafa yakaita seni?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akamugwadamira kumuremekedza akati, “Ko iyeni muranda wenyu ndiri chiiwo zvangu, kwamuri iyemi, imbwawo zvangu yakafa kudai, wamungabva matarisawo kudai.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akamupfugamira akati, “Muranda wenyu chinyiko, zvamakatarira imbwa yakafa seni?”
Shona 2009?
Iye akamupfugamira akati, "Muranda wenyu chinyiko, zvamakatarira imbwa yakafa seni?"
Shona SUB 2002 Bible
Iye akamupfugamira akati, “Muranda wenyu chiiko, zvamakatarira imbwa yakafa seni?”