2 Thessalonians 1:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo tinokunyeŋgetererai ʋo ŋguʋa dzose, kuti Mŋari weɗu ati, makafanirwa nokuɗanwa kwenyu, akwanise nesimba rake kuɗa kwenyu kwose kuita ɀakanaka namaɓasa ose okutenda;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nomurangariro uyu, isu tinoramba tichikunyengetererai, kuti Mwari wedu ati makafanira kudana kwake, uye kuti nesimba rake azadzise zvinangwa zvenyu zvose zvakanaka uye basa rose rakamutswa nokutenda kwenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusana paizvozvi tinonamata nguva dzose kuti Mwari wedu aite kuti imi muve vanhu vakakodzera kukudaidzai kwaakaita uye kuti aite kuti zvakanaka zvamunoda kuita zvechitendero zvibudirire nesimba rake,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo tinokunyengetereraiwo nguva dzose, kuti Mwari wedu ati, makafanirwa nokudanwa kwenyu, akwanise nesimba rake kuda kwenyu kwose kuita zvakanaka namabasa ose okutenda;
Shona 2009?
Naizvozvo tinokunyengeteererai vo nguva dzose, kuti Mwari wedu ati, makafanirwa nokudamwa kwenyu akwanise nesimba rake kuda kwenyu kose kuita zvakanaka namabasa ose okutenda;
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo tinokunyengetereraiwo nguva dzose, kuti Mwari wedu ati, makafanirwa nokudanwa kwenyu, akwanise nesimba rake kuda kwenyu kwose kuita zvakanaka namabasa ose okutenda;