2 Thessalonians 1:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tinofanira kuʋoŋga Mŋari ŋguʋa dzose pamsoro penyu, hama dzaŋgu, seɀaɀakafanira, nokuti kutenda kwenyu kunokura kwaɀo, noruɗo rwenyu mose, mumŋe nomumŋe kunaʋamŋe, runowanda;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tinofanira kuramba tichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, hama, uye zvakanaka izvozvo, nokuti kutenda kwenyu kuri kukura zvakanyanya, uye rudo rwamunarwo kuno mumwe nomumwe wenyu rwuri kukura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tinosungirwa kutenda Mwari nguva dzose pamusana penyu, hama dzangu, sechinhu chinokodzera kuitwa nokuti chitendero chenyu chiri kuramba chichingokura kwazvo uye kudanana kwenyu kuri kukura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama dzangu, sezvazvakafanira, nokuti kutenda kwenyu kunokura kwazvo, norudo rwenyu mose, mumwe nomumwe kuna vamwe, runowanda;
Shona 2009?
Tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama dzangu, se zvazvakafanira, nokuti kutenda kwenyu kunokura kwazvo, norudo rwenyu mose, mumwe nomumwe kunavamwe, runowanda;
Shona SUB 2002 Bible
Tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama dzangu, sezvazvakafanira, nokuti kutenda kwenyu kunokura kwazvo, norudo rwenyu mose, mumwe nomumwe kuna vamwe, runowanda;