2 Thessalonians 2:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokunyeŋgera kwose kwokusarurama kunaʋanorashika; nokuti haʋana‐kugamucira ruɗo rweɀokwaɗi, kuti ʋaponeswe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye nokuipa kwose kunonyengera avo vanoparara. Vanoparara nokuti vakaramba kuda chokwadi uye kuti vagoponeswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nouipi hwose hokunyengedza varikundoparadzwa nokuti vanoramba kuda chokwadi uye vanoramba kuponeswa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokunyengera kwose kwokusarurama kuna vanorashika; nokuti havana kugamuchira rudo rwezvokwadi, kuti vaponeswe.
Shona 2009?
nokunyengera kose kokusarurama kuna vanoparara; nokuti havana kugamuchira rudo rwechokwadi, kuti vaponeswe.
Shona SUB 2002 Bible
nokunyengera kwose kwokusarurama kuna vanorasika; nokuti havana kugamuchira rudo rwezvokwadi, kuti vaponeswe.