2 Thessalonians 2:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo, hama dzaŋgu, mirai makasimba, muceŋgete mirairo yamakadzidziswa, kana neshoko kana neŋwadi yeɗu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka zvino, hama mirai nesimba uye mubatirire kudzidziso dzatakakudzidzisai, neshoko romuromo kana netsamba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo hama dzangu mirai makasimba makabatisisa magamuchidzanwa amakadzidziswa nesu nomuromo kana kuti netsamba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo, hama dzangu, mirai makasimba, muchengete mirayiro yamakadzidziswa, kana neshoko kana netsamba yedu.
Shona 2009?
Naizvozvo, hama dzangu, mirai makasimba, muchengete mirairo yamakadzidziswa, kana neshoko kana nemwadhi yedu.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo, hama dzangu, mirai makasimba, muchengete mirairo yamakadzidziswa, kana neshoko kana netsamba yedu.