2 Thessalonians 2:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ŋgakurege kuʋa nomunhu unokunyeŋgerai nomutoʋo upi noupi; nokuti hariȿiki, kana kutsauka kusati kwataŋga kuʋuya, nomunhu weɀiʋi, mŋanakomana wokurashika, asati amboʋonekwa,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Musarega munhu upi zvake achikunyengerai nenzira ipi zvayo, nokuti zuva iro harisviki kusvikira kumukira kwaitika uye munhu wokutsauka aratidzwa, iye munhu akatongerwa kuparadzwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ngaparege kuva nomunhu anokunyengedzai nenzira ipi zvayo nokuti zuva iroro harisikuzouya kupanduka kusati kwatanga kuuya uye munhu asina mutemo uya akatemerwa kuraswa atoratidzwa pachena,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai nomutoo upi noupi; nokuti harisviki, kana kutsauka kusati kwatanga kuuya, nomunhu wezvivi, mwanakomana wokurashika, asati amboonekwa,
Shona 2009?
ngakurege kuva nomunhu unokunyengerai nomutovo upi noupi; nokuti zuva iro harisviki, kana kusati kwatanga kuvuya, nomunhu wezvivi, mwanakomana wokurashika, asati ambovonekwa,
Shona SUB 2002 Bible
ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai nomutoo upi noupi; nokuti harisviki, kana kutsauka kusati kwatanga kuuya, nomunhu wezvivi, mwanakomana wokurashika, asati amboonekwa,