2 Timothy 2:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge ɀakaɗaro, nheyo dzakasimba dzaMŋari dzinomira, dzinecisimbiso ici: Ishe unoziʋa ʋanhu ʋake; ʋuye: Mumŋe nomumŋe unoreʋa zita raShe ŋgaabve pakusarurama.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro, nheyo dzakasimba dzaMwari dzinomira, dzine chisimbiso ichi chinoti: “Ishe anoziva vanhu vake,” uye, “Ani naani anopupura zita raShe anofanira kubva pane zvakaipa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi hwaro hwaMwari hwakasimba hunoramba huripo hwakanyorwa kuti, “Tenzi anoziva avo,” uye kuti, “Munhu wose anodaidza zita raTenzi, ngaasiyane nouipi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kunyange zvakadaro, nheyo dzakasimba dzaMwari dzinomira, dzine chisimbiso ichi, “Ishe anoziva vanhu vake;” uye “Mumwe nomumwe anoreva zita raIshe ngaabve pakusarurama.”
Shona 2009?
Kunyange zvakadaro, nheyo dzakasimba dzaMwari dzinomira, dzinechisimbiso ichi: Ishe unoziva vanhu vake; vuye: Mumwe nomumwe unoreva zita raShe ngaabve pakusarurama.
Shona SUB 2002 Bible
Kunyangwe zvakadaro, nheyo dzakasimba dzaMwari dzinomira, dzine chisimbiso ichi, “Ishe anoziva vanhu vake;” uye “Mumwe nomumwe anoreva zita raIshe ngaabve pakusarurama.”