2 Timothy 3:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi iwe wakateʋera kudzidzisa kwaŋgu, nomufambire, nokufuŋga, nokutenda, nomŋoyo murefu, noruɗo, nokutsuŋgirira,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kunyange zvakadaro, iwe unoziva kudzidzisa kwangu kwose, mararamiro angu, chinangwa changu, kutenda kwangu, mwoyo murefu wangu, norudo, nokutsungirira,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi iwe wakanyatsoongorora zvandinodzidzisa, nomugariro wangu, nechinangwa changu muupenyu nechitendero changu nomwoyo murefu wangu norudo rwangu uye kuramba ndakatsungirira kwangu
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi iwe wakatevera kudzidzisa kwangu, nomufambiro, nokufunga, nokutenda, nomwoyo murefu, norudo, nokutsungirira,
Shona 2009?
Asi iwe wakatevera kudzidzisa kwangu, nomufambire, nokufunga, nokutenda, nomoyo murefu, norudo, nokutsungirira,
Shona SUB 2002 Bible
Asi iwe wakatevera kudzidzisa kwangu, nomufambiro, nokufunga, nokutenda, nomwoyo murefu, norudo, nokutsungirira,