2 Timothy 3:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
namaɗambudziko, nenhamo, iɀo ɀakandiwira paAntiokia, napaIkonio, napaRistra; maɗambudziko makuru sei andakanzwa; paɀinhu iɀoɀo ɀose Ishe wakandisunuŋgura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
matambudziko, nhamo, zvinhu zvose zvakaitika kwandiri muAndioki, Ikoniamu nomuRistra, kutambudzwa kwose kwandakasangana nako. Asi Ishe akandinunura kubva pazviri zvose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokutambudzwa kwangu uye nhamo dzangu nezvakandiwira kuAntioku nokuIkoniyo nokuRisitira nokutambudzwa kwandakatirira, asi Tenzi akandinunura kune zvose izvozvi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
namadambudziko, nenhamo, izvo zvakandiwira paAndioki, napaIkonio, napaRisitira; madambudziko makuru sei andakanzwa; pazvinhu izvozvo zvose Ishe akandisunungura.
Shona 2009?
namatambudziko, nenhamo, izvo zvakandiwira paAntiokia, napaIkonio, napaRistra; matambudziko makuru sei andakanzwa pazvinhu izvozvo zvose Ishe wakandisunungura.
Shona SUB 2002 Bible
natadambudziko, nenhamo, izvo zvakandiwira paAndiyoku, napaIkoniumu, napaRisitira; matambudziko makuru sei andakanzwa; pazvinhu izvozvo zvose Ishe akandisunungura.