2 Timothy 4:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kubva ɀino ndakaceŋgeterwa korona yokururama, yandicapiwa naShe, Mutoŋgi wakarurama, nezuʋa irero; ndisini ndoga, asi naʋose ʋakaɗa kusinehanya kwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino ndakachengeterwa korona yangu yokururama, yandichapiwa, naIshe, mutongi akarurama pazuva iro, uye kwete ini ndoga, asiwo nokuna vose vanoshuva kuonekwa kwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kubva zvino ndakachengeterwa chiremba choururami, chandakagadzirirwa naTenzi mutongi wakarurama chaachandipa paZuva riya riya, kwete ini ndoga asi vose vanofarira kuzviratidza kwake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kubva zvino ndakachengeterwa korona yokururama, yandichapiwa naIshe, Mutongi wakarurama, nezuva irero; ndisini ndoga, asi navose vakada kuonekwa kwake.
Shona 2009?
kubva zvino ndakachengeterwa, korona yokururama, yandichapiwa naShe, Mutongi wakarurama, nezuva irero; ndisini ndoga, asi navose vanoda kuvonekwa kwake.
Shona SUB 2002 Bible
kubva zvino ndakachengeterwa korona yokururama, yandichapiwa naIshe, Mutongi wakarurama, nezuva irero; ndisini ndoga, asi navose vakada kuonekwa kwake.