3 John 1:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo, kana ndiciʋuya, ndicayeʋudza maɓasa ake aanoita, kuti unotiitira makuhwa namashoko akaipa; ʋuye, haatendi naiɀoɀo ɓedzi, iye amene haagamuciri hama, ʋuye ʋakaŋga ʋaciɗa haʋo unoʋadziʋisa nokuʋadziŋga mukereke.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka kana ndauya, ndichamuyeuchidza mabasa ake aanoita, okunyeya, nokuitira godo. Kwete izvozvo zvoga, anorambawo kugamuchira hama. Anodzivisawo vaya vanoda havo kuita izvozvo uye achivabudisa mukereke.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo kana ndauya ikoko ndichavhundunyura zvaari kuita, zvokufambisa makuhwa nezvangu. Pamusoro paizvozvo anoramba kugamuchira vamwe vedu achirambidzawo vamwe kuvagamuchira achitovadzinga musangano.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo, kana ndichiuya, ndichayeudza mabasa ake aanoita, kuti anotiitira makuhwa namashoko akaipa; uye, haatendi naizvozvo bedzi, iye amene haagamuchiri hama, uye vakanga vachida havo anovadzivisa nokuvadzinga mukereke.
Shona 2009?
Naizvozvo kana ndichivuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, kuti unotiitira makuhwa namashoko akaipa; vuye, haatendi naizvozvo bedzi, iye amene haagamuchiri hama, uye vakanga vachida havo unovadzivisa nokuvadzinga mukereke.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo, kana ndichiuya, ndichayeudza mabasa ake aanoita, kuti anotiitira makuhwa namashoko akaipa; uye, haatendi naizvozvo bedzi, iye amene haagamuchiri hama, uye vakanga vachida havo anovadzivisa nokuvadzinga muchechi.