3 John 1:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Muɗikanwa, ndinokunyeŋgetera kuti ufare paɀinhu ɀose, ʋuye uʋe mukukutu, sokufara kwomŋeya wako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mudikani shamwari, ndinonyengetera kuti uve noutano hwakanaka uye kuti zvose zvikunakire kunyange sokufara kwomweya wako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mudikanwi, ndinonamata kuti dai waro zvinhu zvose zvangokufambira zvakanaka uye kuti uve noutano hwakanaka. Ndine chokwadi chokuti pane zvomweya wako, muchete.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mudikanwi, ndinokunyengetera kuti ufare pazvinhu zvose, uye uve mukukutu, sokufara kwomweya wako.
Shona 2009?
Mudikamwa, ndinoshuva pamusoro pezvinhu zvose, kuti ubudirire,uve wakasimba, somweya wako uchibudirira.
Shona SUB 2002 Bible
Mudikani, ndinokunyengetera kuti ufare pazvinhu zvose, uye uve mukukutu, sokufara kwomweya wako.