Acts 1:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Aʋa ʋose ʋakatsuŋgirira nomŋoyo mumŋe pakunyeŋgetera, ʋanaʋakadzi, naMaria, mai ʋaJesu, naʋanuŋuna ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakabatana vose pakuramba vachinyengetera, pamwe chete navakadzi uye naMaria mai vaJesu, navanun'una vake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vose ivava vakazvipira pakunamata pamwechete namadzimai naMaria amai vaJesu navakoma navanun'una vake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ava vose vakatsungirira nomwoyo mumwe pakunyengetera, vana vakadzi, naMaria, mai vaJesu, navanun'una vake.
Shona 2009?
Ava vose vakatsungirira nomoyo mumwe mukunyengetera nokukumbira, pamwe navakadzi, naMaria mai vaJesu, uye navanun'una vake.
Shona SUB 2002 Bible
Ava vose vakatsungirira nomwoyo mumwe pakunyengetera, vana vakadzi, naMaria, mai vaJesu, navanun'una vake.