Acts 1:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Namazuʋa iwayo Petro wakasimuka pakati pehama, (ʋanhu ʋazhinji ʋaiʋa’po pamŋe cete, ʋaneŋge zana namakumi maʋiri), akati:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumazuva iwayo, Petro akasimuka pakati pavatendi (ungano yaida kusvika zana namakumi maviri)
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamazuva iwayo Pita akasimuka pakati pevehama akataura. Gungano iroro raiva zana namakumi maviri avanhu. Akati,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Namazuva iwayo Petirosi akasimuka pakati pehama, vanhu vazhinji vaivapo pamwechete, vanenge zana namakumi maviri, akati,
Shona 2009?
Zvino namazuva iwayo Peturo wakasimuka pakati pevadzidzi, kwaiva nechaunga navanhu pamwechete vanenge zana namakumi maviri, akati:
Shona SUB 2002 Bible
Namazuva iwayo Petirosi akasimuka pakati pehama, vanhu vazhinji vaivapo pamwechete, vanenge zana namakumi maviri, akati,