Acts 1:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋarume, hama, rugwaro rwakafanira kuitika, rwakaprofitwa noMŋeya Mutȿene nomuromo waDavidi, pamsoro paJudasi, wakaŋga ari muperekedzi waʋaya ʋakaɓata Jesu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye akati, “Hama, Rugwaro rwaifanira kuzadziswa rwakataurwa noMweya Mutsvene nomuromo waDhavhidhi pamusoro paJudhasi, uyo akabatsira kutungamirira vaya vakasunga Jesu,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Hama, Magwaro Matsvene aifanira kuzadziswa akafanotaurwa naMweya Mutsvene nomuromo waDhavhidhi nezvaJudhasi aiva mutungamiri waavo vakandosunga Jesu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Varume, hama, rugwaro rwakafanira kuitika, rwakaporofitwa naMweya Mutsvene nomuromo waDhavhidhi, pamusoro paJudhasi, akanga ari muperekedzi wavaya vakabata Jesu.
Shona 2009?
Varume hama, zvakafanira kuti rugwaro urwu rwuzadziswe, Mweya Mutsvene warwakagara wataura nomuromo waDhavhidhi, pamusoro paJudhasi, wakanga ari mutungamiriri wavaya vakabata Jesu.
Shona SUB 2002 Bible
“Varume, hama, rugwaro rwakafanira kuitika, rwakaporofitwa naMweya Mutsvene nomuromo waDhavhidhi, pamusoro paJudhasi, akanga ari muperekedzi wavaya vakabata Jesu.