Acts 1:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
(Ɀino munhu uyu wakateŋga munda nomuɓairo weɀisakarurama, akawira pasi neciso, akaparuka napakati, ʋura bgake bgukaɓuɗa bgose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
(Nomubayiro waakawana nokuda kwokuipa kwake, Judhasi akatenga munda; imomo ndimo maakawira pasi nomusoro, muviri wake ukaputika uye ura hwake hukabuda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino murume uyu akatenga munda nomubayiro wouipi hwake. Akaputsika akasvikorovera pasi nouso. Vamwe vanoti akazvimba ndokubva aputika napakati ura hwose hukavhazhuka
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino munhu uyu akatenga munda nomubayiro wezvisakarurama, akawira pasi nechiso, akaparuka napakati, ura hwake hukabuda hwose.
Shona 2009?
Zvino munhu uyu wakatenga munda nomubairo wezvisakarurama, akawa nemusoro, akaparuka napakati, ura hwake hwese hwukabvajukira kunze.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino munhu uyu akatenga munda nomubairo wezvisakarurama, akawira pasi nechiso, akaputika napakati, ura hwake hukabuda hwose.