Acts 1:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakaʋakandira mijenya, mujenya ukaɓata Matia; iye akaʋereŋgwa pamŋe cete naʋaapostora ʋanegumi nomumŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vakakanda mijenya, uye mujenya ukawira kuna Matiasi; saka akawedzerwa kuvapostori vane gumi nomumwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakavaitira chin'ange, chikabata pana Matiasi ndokubva ava mumwe wavapositori vaya gumi nomumwechete.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakavakandira mijenya, mujenya ukabata Matia; iye akaverengwa pamwechete navapostori vane gumi nomumwe.
Shona 2009?
Zvino vakavapa mijenya ikabata Matia; akaverengwa pamwe chete navapositora vanegumi nomumwe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakavakandira mijenya, mujenya ukabata Matia; iye akaverengwa pamwechete navapostori vane gumi nomumwe.