Acts 1:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋaakaɀiratidza ʋo kwaʋari neɀiratidzo ɀizhinji, ari mupenyu, shure kwokutambudzika kwake, aciʋonekwa naʋo mazuʋa anamakumi manna, acitaura ɀinhu ɀoʋushe bgaMŋari;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwokutambudzika kwake, akazviratidza kuvanhu ava akaratidza zviratidzo zvizhinji zvokuti iye akanga ari mupenyu. Akaonekwa navo mazuva anopfuura makumi mana uye akataura nezvoumambo hwaMwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure mokutambudzika kwake akazviratidza kwavari kuti mupenyu nezvinhu zvakawanda zvinoita kuti munhu abvume kuti ichokwadi sezvizvi zvinoti: kuzviratidza kwavari kwamazuva makumi mana uye kutaura nezvoumambo hwaMwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akazviratidzawo kwavari nezviratidzo zvizhinji, ari mupenyu, shure kwokutambudzika kwake, achionekwa navo mazuva ana makumi mana, achitaura zvoushe hwaMwari;
Shona 2009?
vaakazviratidzavo kwavari ari mupenyu shure kokutambudzika kwake neuchapupu uzhinji, husingagoni kurambwa, achivonekwa navo mazuva anamakumi mana, achitaura zvinhu zvovushe bwaMwari;
Shona SUB 2002 Bible
Akazviratidzawo kwavari nezviratidzo zvizhinji, ari mupenyu, shure kwokutambudzika kwake, achionekwa navo mazuva ana makumi mana, achitaura zvoushe hwaMwari;