Acts 1:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akaʋaraira, aʋuŋgana naʋo, kuti ʋarege kubva Jerusarema, asi ʋagarire cipikirwa caƂaɓa, aciti, ciya camakanzwa kwandiri;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pane imwe nguva, paakanga achidya navo, akavapa kurayira uku akati, “Musabva muJerusarema, asi mumirire chipo chakavimbiswa naBaba vangu, icho chamakandinzwa ndichitaura pamusoro pacho.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakanga achinavo, akavati vasabve muJerusaremu asi kuti vamirire chitsidzo chaBaba chiya chavakanzwa achiti,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akavarayira, aungana navo, kuti varege kubva Jerusaremu, asi vagarire chipikirwa chaBaba, achiti, chiya chamakanzwa kwandiri;
Shona 2009?
zvino avungana navo, akavaraira kuti varege kubva Jerusarema asi vamirire chivimbiso chaBaba, chamakanzwa neni;
Shona SUB 2002 Bible
akavaraira, aungana navo, kuti varege kubva Jerusaremu, asi vagarire chipikirwa chaBaba, achiti, chiya chamakanzwa kwandiri;