Acts 1:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iʋo, ʋakati ʋaʋuŋgana, ʋakamubvunza, ʋaciti: Ishe, modzosera ʋushe kunaʋaIsraeri neŋguʋa ino here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka vakati vaungana pamwe chete, vakamubvunza vakati, “Ishe, mava kuzodzosera ushe kuvaIsraeri panguva ino here?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvo pavakanga vaungana vakamubvunza vachiti, “Tenzi, panguva ino ndipo here pamuchadzosera pakare umambo kuIsiraeri?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ivo, vakati vaungana, vakamubvunza, vachiti, “Ishe, modzosera ushe kuna vaIsiraeri nenguva ino here?”
Shona 2009?
Naizvozvo ivo vakati vavungana, vakamubvunza vachiti: Ishe, muchadzosera vushe kuvaIsraeri nenguva ino here?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ivo, vakati vaungana, vakamubvunza, vachiti, “Ishe, modzosera ushe kuna VaIsiraeri nenguva ino here?”