Acts 10:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Petro wakati acakaŋganiswa mumŋoyo make, kuti ciratidzo caakaŋga aʋona caireʋei, tarira ʋarume ʋakaŋga ʋatumŋa naKornerio, ʋamira pasuʋo ʋacibvunza imba yaSimoni;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Petro achiri kushamiswa nezvaireva chiratidzo, varume vakanga vatumwa naKoniriasi vakawana pakanga pane imba yaSimoni uye vakamira pasuo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pita paakanga achiri kukangaidzwa mumwoyo kuti chiratidzo chaakanga aona chinorevei, havo varume vaya vakatumwa naKoneriasi vakanga vatomira pasuo guru nokuti vakanga vabvunza nezvemba yaSimoni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Petirosi akati achakanganiswa mumwoyo make, kuti chiratidzo chaakanga aona chairevei, tarira varume vakanga vatumwa naKonerio, vamira pasuo vachibvunza imba yaSimoni;
Shona 2009?
Zvino Peturo wakati achakanganiswa mumoyo make kuti chiratidzo chaakanga avona chairevei, tarira varume vakanga vatumwa naKornerio, vamira pasuvo vachibvunza imba yaSimoni;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Petirosi akati achakanganiswa mumwoyo make, kuti chiratidzo chaakanga aona chairevei, tarira varume vakanga vatumwa naKoniriasi, vamira pasuwo vachibvunza imba yaSimoni;